+263 4 741639 info@zncwc.co.zw

By Kingstone Mapupu pg 6 3-9 Nyamavhuvhu 2018

Baba nemwana wavo vari kutsvagwa nemapurisa ekuCashel Valley kuChimanimani nemhosva dzavari kupomerwa dzekuba mombe 17. Mombe idzi vanonzi vainodzitengesa kuneimwe nzvimbo kunharaunda iyi dzikazowanikwa vasati vawana anotenga.Baba nemwana wavo vanofungidirwa kuti vakaba mombe idzi kumafuro ndokuenda nadzo mudunhu iri vachiti ndedzavo izvo vaifamba nadzo vachishambadza kuti dzitengwe. Vaviri ava vaziva kuti varikutsvagwa nemapurisa vakabva vatiza mumusha ndokuenda kusina anoziva. Baba nemwana uku vanofungidzirwa kuti vakatizira kuMozambique nekuti pedo nekuChimanimani kwavainge vatiza.