+263 4 741639 info@zncwc.co.zw

Daphne Machiri 10-16 Nyamavhuvhu 2018 pg 9

Sangano re Action Aid Zimbabwe riri kuita mabasa makukutu ekusimudzira nyika zvichitevera kuvakisa kwariri kuita zvikoro kumativi mana enyika uye nguva pfupi yadarika rakavakisa chimwe chikoro kuBinga chinonzi Njobolo Primary School pasi pechirongwa charo cheGender Responsive Public Service Initiative (GRPS). Chikoro chakavakwa kuBinga chakabatsira vana chaizvo nekuti pachakanga chisati chavakwa vana vaidzidzira mudzimba dzemapango dzakapfirirwa nehuswa. Mukuru anoona ne kuvandudzwa kwedzidzo ku Action Aid Zimbabwe (Sponsorship Manager Zimbabwe), VaTsuro Bore, vanoti kusvika parizvino, sangano ravo ravakisa zvikoro munzvimbo dzinosanganisira Nyanga, Makoni, Hwedza, Nkayi, Binga, Kariba, neku Mbire. VaBore vakati zvakakosha kuti vana vadzidze pakanaka uye kuti varairidzi vagarewo mudzimba dzinoyemurika, dzakasimba zvekuti zvinhu zvakaita semafashamu kana mhepo zvisakanganisa zvidzidzo zvevana. Pa Njobolo Primary School pakavakwa mipanda yekudzidzira mana pamwe nedzimba shanu dzevadzidzisi. Va Bore vakaenderera mberi vachiti donzvo ravo nderekuti mwana wose awane dzidzo munyika sezvo iri kodzero yake yekuenda kuchikoro. Danho iri riri kutedzera bumbiro remutemo renyika rine chisungo chinoti mwana wose anofanirwa kuwana dzidzo uye pamusoro pezvo vanowedzera zvimwe zvisungo zviri pamusoro pekodzero dzevana zvakadai se UN Convention on the Rights of Children ne African Charter on the Rights and Welfare of Children. VaBore vanoti muzvikoro ngamusave nerusarura, vana ngavawane dzidzo zvisinei nerudzi, chinamato kana mutauro wavo nekuti dzidzo inhaka. Vanoti sangano ravo ririkutsigira zvakare chirongwa chakavambwa ne Hurumende chekupa vana vechikoro zvekudya, che School Feeding Programme.