+263 4 741639 info@zncwc.co.zw

by Muchaneta Chimuka 09/08/19


BAZI revechidiki, mitambo nekutandara nguva yadarika rakacherechedza zuva revechidiki, reDay of the African Child, pagungano rakaitwa kuChitungwiza apo vana vechikoro – kusanganisara vakaremara mitezo – vakadzidziswa zvakawanda zvinosanganisira mabasa avanogona kuzoita kana vapedza fundo. Chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kubatsirana muAfrica! Kodzero dzevana pamberi”. Aive muyenzi mukuru pachiitiko ichi inhengo yedare reParamende revechidiki (Junior Parliament), Tamirira Gondo, anova Junior Mayor weChitungwiza ari zvakare mudzidzi wepaZengeza 1 High. Gondo anoti zuva iri rakakosha mukurwira kodzero dzevechidiki. Pagungano iri pakakokwa makambani nemasangano akasiyana kuti vazofundisa vechidiki nezvemabasa. Gondo anoti Chitungwiza ine vechidiki vakawanda avo vari kusangana nematambudziko anosanganisira ekuroorwa kana kuroora vasati vabva zera. Takunda Mutirwira, uyo anove nhengo yedare revechidiki reSenate kuChitungwiza, anoti Africa inoda kuchenurwa. Memory Kanyati, uyo anova administrative officer weChitungwiza District kubazi rinoona nezvevechidiki, mitambo nekutandara anoti bazi ravo rine basa guru rekuona kuti zuva iri racherechedzwa sezvo vachishanda nevechidiki. Vabereki vane vana vakaremara mitezo vari pasi pesangano reZimbabwe Parents of Handicapped Children nevanorarama nehusope veAlbino Charity Organisation of Zimbabwe vaivewo pagungano iri.