+263 4 741639 info@zncwc.co.zw

by Daphne Machiri 09/08/19


SANGANO reOxfam rakavamba chirongwa chekusimudzira zvidzidzo zveutano muzvikoro icho chinodaidzwa kuti School Health Clubs nedonzvo rekudzivirira vana kuti vasabatwe nezvirwere zvinokonzerwa nehuchapa semanyoka. VaFredrick Kupfuwamandu – avo vanotungamirira chirongwa ichi cheWater, Sanitation and Hygiene – vanoti donzvo ravo nderekuti vana vechikoro vagare vakashambidzika zvose nenharaunda dzavanenge vari. Vanoti vari kudzidzisa vana sekukosha kwekugeza mawoko vabva kushandisa chimbuzi kana kuti vasati vadya chikafu.Vanoenderera mberi vachiti, “Takavamba chidzidzo cheParticipatory Health and Hygiene Education (PHHE) icho chiri pamusoro pezvakanakira kugeza mawoko nesipo nekukosha kwemishonga inoshandiswa kuchenesa mvura nezvimbudzi. Ruzivo urwu harusi rwevana vechikoro bedzi sezvo tichidzidzisawo vanhu vari munharaunda dzakasiyana.” Vanoti vari kupa pachena zvekushandisa munyaya dzeutsanana semabhaketi ekugezera, sipo, mishonga yekuchenesa mvura nezvimwe. Vanoti vari kuitawo makwikwi ekwizi apo vana vanenge vachipakurirana hunyanzvi pamusoro pezvakakoshera kuita hutsanana nguva dzose.