+263 4 741639 info@zncwc.co.zw

by :Muchaneta Chimuka

RAKANGA riri besanwa muguta reHarare nomusi weMuvhuro uno apo vabereki vaive mubishi kutenga zvinhu zvinodiwa kuzvikoro zvisinei kuti vakawanda vaichema-chema nekuda kwekudhura kwezvakaita semayunifomu, mabhuku nematirangi.

Vabereki vanoti kudai Hurumende yadzokera pekare apo vana vaipihwa mabhuku pachena muzvikoro kuitira kuti vabereki varerukirwe.

Kuchiteshi chekuRotten Row, munyori uno akasangana nevana vekuSt Columba’s High iri kuHonde Valley avo vaitonzi havapinde mubhazi kana vachinge vasina kuratidza girosari rakatarwa.

Girosari iri rakanga rakatotsvagirwa kombi padivi yekuritakurisa apo mwana mumwe nemumwe aitanga amakwa zita rake kuti aunza chikafu asati apinda mubhazi rechikoro.

Mai Kiara Machengedze — avo vane mwana anodzidza kuMavhudzi High, kuNyazura — vanoti vaneta nenyaya dzekunzi vawedzere mari yefizi nguva nenguva.